2 SNA sokuturirwa kwazvakaitwa kwatiri neavo vakazviona kubva pakutanga naivozve vari varanda veshoko. BSB BSB: just as they were handed down to us by the initial eyewitnesses and servants of the word.
3 SNA Naizvozvo, sezvo neniwo ndakanyatsoongorora zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanakawo kuti ndikunyorerei imi Tiofiro mune mukurumbira, nhoroondo ndichinyatsotevedzanisa, BSB BSB: Therefore, having carefully investigated everything from the beginning, it seemed good also to me to write an orderly account for you, most excellent Theophilus,
4 SNA kuitira kuti mugoziva chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa. BSB BSB: so that you may know the certainty of the things you have been taught.
6 SNA Vose vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachichengeta mirayiro yaShe yose nezvaakatema, vasina zvavangapomerwa. BSB BSB: Both of them were righteous in the sight of God, walking blamelessly in all the commandments and decrees of the Lord.
7 SNA Asi vakanga vasina vana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki; uye vose vari vaviri vakanga vachembera kwazvo. BSB BSB: But they had no children, because Elizabeth was barren, and they were both well along in years.
8 SNA Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake achibata somuprista pamberi paMwari, BSB BSB: One day while Zechariah’s division was on duty and he was serving as priest before God,
9 SNA akasarudzwa nomujenya, maererano netsika youprista, kuti aende andopisa zvinonhuhwira mutemberi yaShe. BSB BSB: he was chosen by lot, according to the custom of the priesthood, to enter the temple of the Lord and burn incense.
10 SNA Uye nguva yokupisa zvinonhuhwira yakati yasvika, vanamati vose vakaungana panze vachinyengetera. BSB BSB: And at the hour of the incense offering, the whole congregation was praying outside.
11 SNA Ipapo mutumwa waShe akazviratidza kwaari, akamira kurutivi rworudyi rwearitari yezvinonhuhwira. BSB BSB: Just then an angel of the Lord appeared to Zechariah, standing at the right side of the altar of incense.
12 SNA Zekaria akati achimuona, akavhunduka uye akabatwa nokutya. BSB BSB: When Zechariah saw him, he was startled and gripped with fear.
13 SNA Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Zekaria; munyengetero wako wanzwikwa. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Johani. BSB BSB: But the angel said to him, “Do not be afraid, Zechariah, because your prayer has been heard. Your wife Elizabeth will bear you a son, and you are to give him the name John.
14 SNA Achava mufaro nokufarisisa kwamuri, uye vazhinji vachafara nokuda kwokuberekwa kwake, BSB BSB: He will be a joy and delight to you, and many will rejoice at his birth,
15 SNA nokuti achava mukuru pamberi paShe. Haafaniri kutongonwa waini kana zvinonwiwa zvose zvakaviriswa, uye achazadzwa noMweya Mutsvene kunyange kubva pakuberekwa kwake. BSB BSB: for he will be great in the sight of the Lord. He shall never take wine or strong drink, and he will be filled with the Holy Spirit even from his mother’s womb.
16 SNA Achadzorera vanhu vazhinji vaIsraeri kuna She Mwari wavo. BSB BSB: Many of the sons of Israel he will turn back to the Lord their God.
18 SNA Zekaria akabvunza mutumwa akati, “Ndichazviziva seiko izvi? Ini ndava murume mutana uye mukadzi wangu achembera kwazvo.” BSB BSB: “How can I be sure of this?” Zechariah asked the angel. “I am an old man, and my wife is well along in years.”
19 SNA Mutumwa akapindura akati, “Ndini Gabhurieri. Ndinomira pamberi paMwari, uye ndatumwa kuti ndizotaura newe, ndizokuudza nhau dzakanaka idzi. BSB BSB: “I am Gabriel,” replied the angel. “I stand in the presence of God, and I have been sent to speak to you and to bring you this good news.
20 SNA Uye iye zvino uchava chimumumu uye uchatadza kutaura kusvikira pazuva razvichaitika, nokuti hauna kutenda mashoko angu, iwo achaitika nenguva yawo.” BSB BSB: And now you will be silent and unable to speak until the day this comes to pass, because you did not believe my words, which will be fulfilled at their proper time.”
21 SNA Zvichakadaro, vanhu vakanga vakamirira Zekaria vakashamiswa kuti akanga atora nguva yakareba kudai seiko ari mutemberi. BSB BSB: Meanwhile, the people were waiting for Zechariah and wondering why he took so long in the temple.
22 SNA Akati abuda, akasagona kutaura navo. Vakazviona kuti akanga aona chiratidzo mutemberi, nokuti akaramba achitaura navo namaoko, uye akaramba ari chimumumu asingagoni kutaura. BSB BSB: When he came out and was unable to speak to them, they realized he had seen a vision in the temple. He kept making signs to them but remained unable to speak.
23 SNA Nguva yokushumira kwake yakati yapera, akadzokera kumba kwake. BSB BSB: And when the days of his service were complete, he returned home.
24 SNA Shure kwaizvozvo, mukadzi wake Erizabheti akava nemimba uye akazvivanza kwemwedzi mishanu. BSB BSB: After these days, his wife Elizabeth became pregnant and for five months remained in seclusion. She declared,
25 SNA Akati mumwoyo make, “Ishe andiitira izvi. Mumazuva ano akaratidza nyasha dzake uye akabvisa kunyadziswa kwangu pakati pavanhu.” BSB BSB: “The Lord has done this for me. In these days He has shown me favor and taken away my disgrace among the people.”
27 SNA kumhandara yakanga yatsidzirwa kuwanikwa nomurume ainzi Josefa, chizvarwa chaDhavhidhi. Zita remhandara iyi rainzi Maria. BSB BSB: to a virgin pledged in marriage to a man named Joseph, who was of the house of David. And the virgin’s name was Mary.
28 SNA Mutumwa akasvika kwaari akati, “Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha zvikuru! Ishe anewe.” BSB BSB: The angel appeared to her and said, “Greetings, you who are highly favored! The Lord is with you.”
29 SNA Maria akatambudzika zvikuru namashoko ake uye akashamiswa kuti kukwazisa kwakadai ndekworudzii. BSB BSB: Mary was greatly troubled at his words and wondered what kind of greeting this might be.
30 SNA Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari. BSB BSB: So the angel told her, “Do not be afraid, Mary, for you have found favor with God.
31 SNA Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu. BSB BSB: Behold, you will conceive and give birth to a son, and you are to give Him the name Jesus.
32 SNA Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, BSB BSB: He will be great and will be called the Son of the Most High. The Lord God will give Him the throne of His father David,
33 SNA uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.” BSB BSB: and He will reign over the house of Jacob forever. His kingdom will never end!”
35 SNA Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba reWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari. BSB BSB: The angel replied, “The Holy Spirit will come upon you, and the power of the Most High will overshadow you. So the Holy One to be born will be called the Son of God.
36 SNA Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki. BSB BSB: Look, even Elizabeth your relative has conceived a son in her old age, and she who was called barren is in her sixth month.
37 SNA Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.” BSB BSB: For no word from God will ever fail.”
39 SNA Panguva iyoyo Maria akagadzirira ndokukurumidza kuenda kune rimwe guta romunyika yezvikomo yeJudhea, BSB BSB: In those days Mary got ready and hurried to a town in the hill country of Judah,
40 SNA uko kwaakasvikopinda mumba maZekaria akakwazisa Erizabheti. BSB BSB: where she entered the home of Zechariah and greeted Elizabeth.
41 SNA Erizabheti akati anzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu make, ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene. BSB BSB: When Elizabeth heard Mary’s greeting, the baby leaped in her womb, and Elizabeth was filled with the Holy Spirit.
42 SNA Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara! BSB BSB: In a loud voice she exclaimed, “Blessed are you among women, and blessed is the fruit of your womb!
43 SNA Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri? BSB BSB: And why am I so honored, that the mother of my Lord should come to me?
44 SNA Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro. BSB BSB: For as soon as the sound of your greeting reached my ears, the baby in my womb leaped for joy.
45 SNA Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!” BSB BSB: Blessed is she who has believed that the Lord’s word to her will be fulfilled.”
47 SNA uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu, BSB BSB: and my spirit rejoices in God my Savior!
49 SNA nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru, zita rake idzvene. BSB BSB: For the Mighty One has done great things for me. Holy is His name.
50 SNA Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya, kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa. BSB BSB: His mercy extends to those who fear Him, from generation to generation.
51 SNA Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake; akaparadzira avo vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo. BSB BSB: He has performed mighty deeds with His arm; He has scattered those who are proud in the thoughts of their hearts.
52 SNA Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo, asi akasimudzira vanozvininipisa. BSB BSB: He has brought down rulers from their thrones, but has exalted the humble.
53 SNA Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka, asi akadzinga vapfumi vasina chinhu. BSB BSB: He has filled the hungry with good things, but has sent the rich away empty.
54 SNA Akabatsira muranda wake Israeri, achirangarira kuva nengoni, BSB BSB: He has helped His servant Israel, remembering to be merciful,
55 SNA kuna Abhurahama nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kunyange sezvaakareva kumadzibaba edu.” BSB BSB: as He promised to our fathers, to Abraham and his descendants forever.”
56 SNA Maria akagara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu uye mushure maizvozvo akazodzokera zvake kumusha. BSB BSB: Mary stayed with Elizabeth for about three months and then returned home.
57 SNA Nguva yakati yasvika yokuti Erizabheti ave nomwana, akazvara mwana mukomana. BSB BSB: When the time came for Elizabeth to have her child, she gave birth to a son.
58 SNA Vavakidzani vake nehama dzake vakanzwa kuti Ishe akanga amunzwira ngoni huru, vakafara pamwe chete naye. BSB BSB: Her neighbors and relatives heard that the Lord had shown her great mercy, and they rejoiced with her.
59 SNA Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria, BSB BSB: On the eighth day, when they came to circumcise the child, they were going to name him after his father Zechariah.
60 SNA asi mai vake vakati, “Kwete! Anofanira kunzi Johani.” BSB BSB: But his mother replied, “No! He shall be called John.”
61 SNA Ivo vakati kwaari, “Pakati pehama dzenyu hapana munhu ane zita iroro.” BSB BSB: They said to her, “There is no one among your relatives who bears this name.”
62 SNA Ipapo vakaninira namaoko kuna baba vake, kuti vazive zita raaida kupa mwana. BSB BSB: So they made signs to his father to find out what he wanted to name the child.
63 SNA Akavakumbira pokunyorera, akanyora kuti “Zita rake ndiJohani” uye vose vakashamiswa nazvo. BSB BSB: Zechariah asked for a tablet and wrote, “His name is John.” And they were all amazed.
64 SNA Pakarepo muromo wake wakazarurwa uye rurimi rwake rukasunungurwa, akatanga kutaura, achirumbidza Mwari. BSB BSB: Immediately Zechariah’s mouth was opened and his tongue was released, and he began to speak, praising God.
65 SNA Vavakidzani vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose. BSB BSB: All their neighbors were filled with awe, and people throughout the hill country of Judea were talking about these events.
66 SNA Vanhu vose vakazvinzwa vakashamiswa nazvo, vakati, “Mwana uyu achava akadiniko?” Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye. BSB BSB: And all who heard this wondered in their hearts and asked, “What then will this child become?” For the Lord’s hand was with him.
67 SNA Zekaria baba vake vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakaprofita vachiti: BSB BSB: Then his father Zechariah was filled with the Holy Spirit and prophesied:
68 SNA “Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe, nokuti akauya akadzikinura vanhu vake. BSB BSB: “Blessed be the Lord, the God of Israel, because He has visited and redeemed His people.
69 SNA Akatisimudzira runyanga rworuponeso muimba yomuranda wake Dhavhidhi, BSB BSB: He has raised up a horn of salvation for us in the house of His servant David,
70 SNA sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare, BSB BSB: as He spoke through His holy prophets, those of ages past,
71 SNA iko kuponeswa kubva kuvavengi vedu naparuoko rwavose vanotivenga, BSB BSB: salvation from our enemies and from the hand of all who hate us,
72 SNA kunzwira madzibaba edu ngoni nokurangarira sungano yake tsvene, BSB BSB: to show mercy to our fathers and to remember His holy covenant,
73 SNA mhiko yaakapikira baba vedu Abhurahama: BSB BSB: the oath He swore to our father Abraham, to grant us
74 SNA kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu, uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi, BSB BSB: deliverance from hostile hands, that we may serve Him without fear,
75 SNA muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose. BSB BSB: in holiness and righteousness before Him all the days of our lives.
76 SNA “Uye iwe, mwana wangu, uchanzi muprofita weWokumusoro-soro; nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira, BSB BSB: And you, child, will be called a prophet of the Most High; for you will go on before the Lord to prepare the way for Him,
77 SNA kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa kwezvivi zvavo, BSB BSB: to give to His people the knowledge of salvation through the forgiveness of their sins,
78 SNA nokuda kwomwoyo munyoro waMwari wedu, naye zuva richatibudira richibva kudenga, BSB BSB: because of the tender mercy of our God, by which the Dawn will visit us from on high,
79 SNA kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima nomumumvuri worufu, uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare.” BSB BSB: to shine on those who live in darkness and in the shadow of death, to guide our feet into the path of peace.”
80 SNA Uye mwana akakura akava nesimba mumweya; uye akagara mugwenga kusvikira azoonekwa pachena kuvaIsraeri. BSB BSB: And the child grew and became strong in spirit; and he lived in the wilderness until the time of his public appearance to Israel.